Isaiah 32

Umambo hwoKururama

1Tarirai mambo achatonga nokururama,
uye vatongi vachatonga nokururamisira.
2Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo,
noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji,
sehova dzemvura mugwenga nomumvuri
webwe guru munyika yafa nenyota.
3Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini,
uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera.
4Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa,
uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika.
5Benzi harichazonzi munhu anokudzwa,
munhu asina maturo haazoremekedzwi.
6Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi,
ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa:
Zvaanoita hazvina umwari
uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha;
anosiya vane nzara vasina chinhu
uye anonyima mvura vane nyota.
7Nzira dzousina maturo dzakaipa,
anoita rangano dzakaipa
kuti aparadze varombo nenhema,
kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho.
8Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka,
uye namabasa anokudzwa.

Vakadzi veJerusarema

9Imi vakadzi musina hanya,
simukai muteerere kwandiri;
imi vanasikana munoti makachengetedzeka,
inzwai zvandinoreva!
10Gore risati rapera
muchabvunda iyemi munoti makachengetedzeka;
nokuti kuchekwa kwamazambiringa kuchakundikana,
uye kutanhwa kwemichero hakuchasviki.
11Dederai, imi vakadzi musina hanya;
dederai imi vanasikana munoti makachengetedzeka!
Bvisai nguo dzenyu,
monerai masaga muzviuno zvenyu.
12Muzvirove zvipfuva nokuda kweminda yakanaka,
nokuda kwezvibereko zvemizambiringa,
13uye nokuda kwenyika yavanhu vangu,
nyika yamera minzwa norukato,
hongu, mucheme nokuda kwedzimba dzose dzamafaro,
uye nokuda kweguta rinopururudza iri.
14Nhare dzichasiyiwa,
guta roruzha richasara risina munhu;
nhare neshongwe zvichava dongo nokusingaperi,
mufaro wembongoro, namafuro ezvipfuwo,
15kusvikira Mweya wadururirwa pamusoro pedu uchibva kumusoro,
uye gwenga rava nyika yakaorera,
nemunda wakaorera wava sesango.
16Kururamisira kuchagara kugwenga
uye kururama kuchagara kumunda wakaorera.
17Chibereko chokururama chichava rugare;
uye chibereko chokururama chichava runyararo nokuvimba nokusingaperi.
18Vanhu vangu vachagara munzvimbo dzorugare,
mumisha yakachengetedzeka,
munzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.
19Kunyange chimvuramabwe chikafukidza sango,
neguta rikaparadzwa zvachose,
20ucharopafadzwa zvakadiniko,
uchidyara mbeu dzako pedyo nehova dzose,
uye uchirega mombe nembongoro dzako zvichifura zvakasununguka!
Copyright information for SnaBDSC